Chingamidzo kuCOVID-19: mitowo yekutsvaka, kudzivirira, kudavira uye nekudzoredzera hutachiona.

Koronavhairasi imhuri hombe yemavhairasi ayo anozivikanwa achikonzera kurwara kubva kune kwakajairwa kusvika kuzvirwere zvakanyanya se Middle East Respiratory Syndrome (MERS) uye Severe Acute Respiratory Syndrome (SARS).

Koronavhairasi itsva (COVID-19) yakaonekwa muna 2019 muWuhan, kuChina. Iyi ndiyo itsva koronavhaisari yange isati yamboonekwa muvanhu.

Iyi kosi inopa chingamidzo kuCOVID-19 uye kumavhairasi anonyuka achibata mapapu uye inoitirwa varapi veveruzhinji, mamaneja ezviitiko nevashandi vanoshandira United Nations, masangano epasi rese nemaNGOs.

Sezvo zita rechirwere repamutemo rakasimbiswa mushure mekugadzirwa kwezvinyorwa, kutaurwa kwose kwe nCoV kunoreva COVID-19, chirwere chinotapukira chichikonzereswa neiyoyi ichangowanikwa koronavhairasi.

Ndokumbira utarise kuti zviri mukosi iyi zviri kuvandudzwa kuratidza gwara richangoburwa. Unogona kuwana ruzivo rwakagadziridzwa pane dzimwe nyaya dzine chekuita neCOVID-19 mumakosi anotevera:

Baccination: COVID-19 vaccines channel

IPC matanho: IPC yeCOVID-19

Antigen inokurumidza kuongororwa kuongororwa: 1) *SARS-CoV-2 antigen inokurumidza kuongororwa kuongororwa *; 2) *Zvakakosha kufunga nezveSARS-CoV-2 antigen RDT kuita *

Self-paced
Language: chiShona
COVID-19

Course information

Iyi kosi inowanikwawo mumitauro inotevera:

English - français - Español - 中文 - Português - العربية - русский - Türkçe - српски језик - فارسی - हिन्दी, हिंदी - македонски јазик - Tiếng Việt - Indian sign language - magyar - Bahasa Indonesia - বাংলা - اردو - Kiswahili - አማርኛ - ଓଡିଆ - Hausa - Tetun - Deutsch - Èdè Yorùbá - Asụsụ Igbo - ਪੰਜਾਬੀ - isiZulu - Soomaaliga- Afaan Oromoo - دری - Kurdî - پښتو - मराठी - Fulfulde- සිංහල - Latviešu valoda - తెలుగు - Esperanto -ภาษาไทย - Kreyòl ayisyen - Казақ тілі - தமிழ் - Ελληνικά

Ongororo: Ino kosi inopa chingamidzo pamusoro pekunyuka kwemavhairasi anobata mapapu, kusanganisisra itsva koronavhairasi. Panopera kosi ino, iwe unofanira kunge wavakukwanisa kutsangura:

  • Hunhu hwemavhairasi anobata mapapu, maitiro ekutsvaka uye kuongorora kupararira, nzira dzekudzivirira uye kudzoredzera kupararira kwezvirwere kunokonzereswa nemavhairasi matsva anobata mapapu;
  • Ndedzipi nzira dzinofanirwa kushandiswa kutaura njodzi uye nekubatana nenharaunda kuona, kudzivirira uye kudavira mukunyuka kwevhairasi itsva inobata mapapu

Pane zvishandiso zviri mumojuru yega yega zvinokubatsira kuyenderera mberi nedzidziso iyi.

Chinangwa chekudzidza: Didzira hwaro hwemavhairasi anobata mapapu uye nemashandiro kwawo anodzivirira kupararira kwehutachiona.

Nguva yekosi: Anenge maawa matatu.

Masetifiketi: Setifiketi yeRekodhi reKubudirira richawanikwa kune vatori vechikamu vanowana anosvika makumi masere muzana ezviuru (80%) zvemapoinzi anowanikwa pane yese mibvunzo. Vatori vechikamu vanogashira Rekodhi reKubudirira vanogona zvakare kurodha Open Open Bheji yeiyi kosi. Dzvanya apa kuti udzidze kuti sei.

Kushandurwa kwemazwi kuisa muchiShona kubvapa Introduction to COVID-19: methods for detection, prevention, response and control, 2020. WHO haina mhosva pamusoro pezviri mukati kana kururamiswa kweshanduro iyi. Kana paine kusanzwisisika pakati peshanduro yeChirungu neyeShona, Chirungu ndicho chinechokwadi chose uye ndochine zvose zvingada kuziviswa. Shanduro iyi haina kusimbiswa neWHO. Ichi chishandiso chakaitirwa kudzidza kutsigira zvinangwa chete.

Course contents

  • Mojuru 1: Chingamidzo kumavhairasi anonyuka achibata mapapu, kusanganisira COVID-19:

    Pakupera kwemojuru iyi, iwe unofanirwa kukwanisa ku: tsanangura kuti mavhairasi anobata mapapu anonyuka sei uye nei ari hutyisidziro hwepasi rose kuhutano hwevanhu
  • Mojuru 2: Kutsvaga mavhairasi anonyuka achibata mapapu, kusanganisira COVID-19: Kuongorora:

    Pakupera kwemojuru iyi, iwe unofanirwa kukwanisa ku: kududzira maitiro ekutsvaka uye kuongorora kupararira kwevhairasi rinobata mapapu
  • Mojuru 3: Kutsvaga mavhairasi anonyuka achibata mapapu, kusanganisira COVID-19: Ongororo dzemuma rabhoritari:

    Pakupera kwemojuru, iwe unofanirwa kukwanisa: kutsanangura mhando dzakasiyana dzekutora masampu dzinodiwa uye nemhando yeongororo inoshandiswa kuratidza hurwere hweCOVID-19 mumarabhoritari.
  • Mojuru 4: Kutaurirana njodzi:

    Pakupera kwemojuru iyi, iwe unofanirwa kukwanisa ku: kuduzira zvakakosha pakutaurirana njodzi yemavhairasi anobata mapapu;kunyora zvinokwana zvitatu zvinodzivirira kutorwa kwakanaka kwezano rehutano;uye uone mamwe maitiro akakosha ekushandisa kutaurirana njodzi panguva yekupararira kana pachiitiko chegungano.
  • Mojuru 5: Kubatirana nenharaunda:

    Pakupera kwemo mojuru iyi, iwe unofanirwa kunge wavakugona: kupa zvikonzero zvitatu nei vamiriri vachifanira kubatirana nenharaunda panguva yekupararira; kunyora matambudziko akatarisana nekubatanidza nharaunda,uye kurondedzera nzira dzakanaka kubatanidza nharaunda zvinobudirira mukutsvaga, kudzivivirira nekudavira pakupararira.
  • Mojuru 6: Kudzivirira nekudavira kumavhairasi anonyuka achibata mapapu, kusanganisira COVID-19:

    Pakupera kwemojuru iyi, unofanirwa kunge uchikwanisa kurondedzera misimboti yekudzivirira hutachiona munharaunda uye nemamiriro ekuchengetedza hutano.

Enroll me for this course

The course is free. Just register for an account on OpenWHO and take the course!
Enroll me now

Certificate Requirements

  • Gain a Record of Achievement by earning at least 80% of the maximum number of points from all graded assignments.