Nhungamiro pakushandiswa kwemasiki takatarisana neCOVID-19

Iyi kosi inopa muongororwo wezve mashindisirwo emasiki sezvakanyorwa mu “Kushandiswa kwemasiki takatarisana neCOVID-19”.

Kudzidziswa uku kunoitirwa vashandi vehutano, vanoita sarudzo, uye veruzhinji uye inotsanangura mashandisiro kwawo emasiki kune vese vehutano uye nevemumanharaunda.

Zvinhu izvi zvakaparurwa musi wa 03/03/2021. Sezvo humbowo hwesainzi uye gwara rehunyanzvi maererano neCCIDID-19 riri kugara richishanduka, ndapota tarisa ku https://www.who.int/emergencies/diseases/novel-coronavirus-2019 kuti uwane zvigadziriso zvitsva.

Pikicha: WHO / Blank Media - E. Jabi ; WHO / Blink Media - M. Aim

自学
语言: chiShona
COVID-19

课程信息

Iyi kosi inowanikwawo mumitauro inotevera:

English - македонски - Shqip

Ongororo : Iko kushandiswa kwemasikisi chikamu chehurongwa hwakazara hwekudzivirira uye kudzora kupararira kweSARS-CoV-2, hutachiona hunokonzera COVID-19. Kudzidziswa uku kwakavakirwa pauchapupu hwesainzi uye dzidziso yeWHO inoenderana nekushandiswa kwemasiki pakuderedza kupararira kweSARS-CoV-2 munzvimbo dzakasiyana siyana. Iyi kosi inovavarira vanoita zvisarudzo, vashandi vezvehutano, neruzhinji rwevanhu .

Iyi kosi yakavakirwa pamitemo yeWHO uye ichavandudzwa sezvo humbowo hutsva hunobuda.

Zvinangwa zvekudzidza: Pakupera kweiyi kosi, iwe unofanirwa kugona ku:

  • sanangura maitiro ekubata zvakachengeteka uye ekupfeka mamasiki;
  • Tsanangura zvinokurudzirwa pakupfeka masiki munzvimbo dzezvehutano;
  • Tsanangura zvinokurudzirwa pakupfeka masiki munzvimbo dzemunharaunda; uye
  • Tsanangura iyo mhando yemasiki inokurudzirwa , kusanganisira mugadzirirwo wayo.

Nguva yekosi: Inenge awa imwe.

Setifiketi: Chinyorwa cheKubudirira kwesetifiketi chichawanikwa kune vatori vechikamu vanowana anosvika makumi masere muzana ezviuru zvemapoinzi anowanikwa pane ese emibvunzo (80%). Vatori vechikamu vanogashira Rekodhi reKubudirira vanogona zvakare kurodha Open Open Bheji yeiyi kosi. Dzvanya pano kuti udzidze kuti sei.

Zvimwe zvauonokwanisa kuverenga kututsira ruzivo:

Chirwere cheKoronavhairasi (COVID-19) kuraira veruzhinji: Nguva yekupfeka uye mashandisirwo emasiki

Kushandurwa kwemazwi kuisa muchiShona kubvapa Introduction to Guidance on mask use in the context of COVID-19, 2021. WHO haina mhosva pamusoro pezviri mukati kana kururamiswa kweshanduro iyi. Kana paine kusanzwisisika pakati peshanduro yeChirungu neyeShona, Chirungu ndicho chinechokwadi chose uye ndochine zvose zvingada kuziviswa. Shanduro iyi haina kusimbiswa neWHO. Ichi chishandiso chakaitirwa kudzidza kutsigira zvinangwa chete.

课程内容

  • Mojuru 1: Nhanganyaya:

    Pakupera kwemojuru, iwe unofanirwa kukwanisa ku: tsanangura kuti COVID-19 inopararira sei; tsanangura matanho mashanu anokurudzirwa ekudzivirira kupararira kwe COVID- 19; nzwisisa izvo zvinosanganisirwa mukupfeka masiki, uye tsanangura mashandisiro emaskiri, rudzii rwemasiki rwekushandisa uye nguva yekuashandisa.
  • Mojuru 2: Nzvimbo dzezvehutano:

    Pakupera kwemojuru, iwe unofanirwa kukwanisa ku: tsanangura kuti ndeapi mashandisirwo emasiki anokurudzirwa pakushanda nevarwere veCOVID-19; nzwisisa kuti ndeapi mashandisirwo emasiki anokurudzirwa pazviitiko zvekutapurirana; tsanangura zvidikanwa zvemaski kune vashandi vehutano hwemunharaunda , uye tsanangura musiyano uripo pakati pemazwi ekuti "kupfekwa kwemamasiki nevose vanhu" maringe ne "kupfekwa kwemamasiki kune vamwe".
  • Mojuru 3: Nzvimbo dzemunharaunda:

    Pakupera kwemojuru, iwe unofanirwa kukwanisa ku: tsanangura nguva yekupfeka masiki munharaunda; tsanangura mando yemasiki inokurudzirwa mumanharaunda, uye unzwisise kana masiki ichikurudzirwa kune mamwe mabasa munzvimbo dzemunharaunda.

订阅本课程

该课程是免费的。 只需在OpenWHO上注册一个帐户并参加课程!
现在注册吧

证书要求

  • 课程证书 授予者需要至少取得课程总分的百分之 80%